Nhova
Mataridziko
Nhova (kureva fontanelle) kana chipande inhongonya yevana vacheche. Inenge yakapfava ichitaridzika pakusava ne bvupa redehenya. Nhova inotendera kuti musoro wemwana uwumbike, kudzoka, nokudzvanyika panguva yokuzvarwa; izvi zvinobatsira kuti mwana abude pamukana waamai zviri nyore. Mapfupa emusoro anosimba kusvika nhava yavhara pamwedzi gumi nemisere kusvika makumi maviri nemana (18-24). Vamwe vanoti nhongonya.
Tsika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Vamwe vanotenda kuti nhova inofanirwa kurapwa nemishonga inozorwa pamusoro penzvimbo yacho.
- Mazuva ano kwave nevazhinjiwo vasisashandise mishonga yenhova, vanotenda mukupa mwana mvura yekunwa yakawanda kuti muviri wake usarase mvura yakawanda.
Mashoko Anotodzana
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mupandira kana Mupandiri
- Mupandirwa kana Mubandirwa
- Kupandira
- Nyamapanda (the place where roofing poles are found; the place that divides; the place of Chief Mapanda) apa kureva ruwa ruri kuMaodzanyemba kwe Zimbabwe pamuganhu neMazambuko.
- Banda
- Mupandenyama
- Chipande
Mashoko okuti chipande kana mubandirwa angagona kuzoshanda kuturikira chinonzi capital kuChingezi - apa kureva mari yekuvamba bhizinisi. Capital means several things: highly important; first rate; excellent; chief; major; principal; prime; primary etc.
Mitauro ye Chibantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- MaZulu vanoti nova (v. Soften, work soft). Mamwe mazwi: novoza (Soften skin, bray hide; work soft) vachireva kupfavisa dehwe.
- MaZulu vanoti n'ovo (ideo. of softening, braying skin).
- Zigula vanoti towa (v. hit, beat, smack, spank, assault, attack, pound, twitch, play, turn).
- Taabwa inoti lumbozya (n. Soft part of a small child's skull).